Kunyange nhasi, mumurayiro waMwari wekuchengeta sungano itsva yakaita sezuva reSabata nePasika, pane kuda kwake kwakadzama kwakafanana neapo Mwari akataura kuna Adhamu naEvha mubindu reEdheni kuti, “Haufaniri kudya zvinobva pamuti wokuziva zvakanaka nezvakaipa,” kuitira kuti avaropafadze. Mumurayiro uyu mune kuda kukuru kwekuti Mwari adurure maropafadzo kuvanhu kubudikidza nesungano itsva.
Kana tikangovimba nezvatakasangana nazvo uye ruzivo rwedu pachedu uye totarisira shoko raMwari pasi, matambudziko nenhamo zvinozotitevera pakupedzisira. Kristu Ahnsahnghong naMwari Mai vakatidzidzisa kuti kana tichitora shoko raMwari serinokosha sezvakaita Dhanieri, Shadhireki, Meshaki, naAbhedhinego, tichagamuchira maropafadzo nekubwinya zvichashamisa pasi rose.
Muchenjerere kutevera murayiro mumwe nomumwe, wandinokupai nhasi, kuitira kuti mugorarama, mugowanda, mugopinda mugotora nyika iyo Jehovha akavimbisa madzitateguru enyu nemhiko.
Dhuteronomi 8:1
Kana muchiteerera zvakanaka Jehovha Mwari wenyu nokuchenjerera kutevera mirayiro yake yose yandinokupai nhasi, Jehovha Mwari wenyu achakuisai pamusoro-soro pendudzi dzose dzapanyika.
Dhuteronomi 28:1
119 Bundang P.O.Box, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of KOREA
Tel 031-738-5999 Fax 031-738-5998
Head Office: 50, Sunae-ro, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of Korea
Main Church: 35, Pangyoyeok-ro, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of Korea
ⓒ World Mission Society Church of God. All rights reserved. Privacy Policy