Zvisikwa zvose zvinogamuchira upenyu kubudikidza nanamai vazvo. Zvisinei nokuti kuchisikwa chiduku uye chinozvidzika sei, mai vane rudo rwaamai rwokuzvipira runovagonesa kuti varasikirwe neupenyu hwavo kuitira vana vayo. Nei Mwari akasika zvinhu zvose kuti zvigamuchire upenyu kubudikidza nanamai vazvo? Uye nei vanamai, kunyange vanamai vezvisikwa zvinozvidzika, vane rudo rwamai vose? Mwari, akasika zvinhu zvose nokuda kwake, akazivisa kwatiri nzira yekugamuchira nayo upenyu husingaperi, kubudikidza nemusimboti wekuzvarwa pasi pano uye kubudikidza nehunhu hwunokudzwa hwaMwari Mai. Zvipenyu zvese zvinongokwanisa kurarama kwenguva yakareba sezvazvakagamuchira kubva kuna mai vazvo. Naizvozvo, tinogona kugamuchira upenyu husingaperi kubudikidza naMai vedu vepamweya. Izvi zvinodaro nekuti Mwari Mai chete, avo vane upenyu husingaperi, ndivo vanogona kutipa upenyu husingaperi. Munguva ino, tinofanira kuva vana vaMwari Mai kuti tigamuchire upenyu husingaperi. Huyai kuKereke yaMwari inotenda muna Mwari Mai!
119 Bundang P.O.Box, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of KOREA
Tel 031-738-5999 Fax 031-738-5998
Head Office: 50, Sunae-ro, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of Korea
Main Church: 35, Pangyoyeok-ro, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of Korea
ⓒ World Mission Society Church of God. All rights reserved. Privacy Policy