Baba Ahnsahnghong vakatidzidzisa kuti kune Mhuri yeKudenga muumambo hwekudenga uye vakatipeputsa kuchokwadi chekuti tina Mwari Mai nemadzikoma nehanzvadzi vekudenga. Akatirayirawo kuti ‘Dananai’ sokutida kwaakaita.
Sezvo Mwari akatida kusvika pakutsungirira rufu pamuchinjikwa, tinogona kuzadzisa murayiro matiri kubudikidza nekupa rudo irworwo kune pasi rose. Vatendi veKereke yaMwari vanokoshesa kurarama maererano nemurayiro wekuti “Dananai,” vachivavarira kuti vanhu vese, kwete kungozvida pachavo, vagamuchire kuregererwa kwezvivi, vawane ruponeso, uye vagopinda muumambo hwekudenga.
“Ndinokupai murayiro mutsva wokuti: Dananai. Sezvo ndakakudai, saizvozvo munofanira kudanana. Nokuda kwaizvozvo, vanhu vose vachaziva kuti muri vadzidzi vangu kana mune rudo pakati penyu.”
Johani 13:34–35
119 Bundang P.O.Box, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of KOREA
Tel 031-738-5999 Fax 031-738-5998
Head Office: 50, Sunae-ro, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of Korea
Main Church: 35, Pangyoyeok-ro, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of Korea
ⓒ World Mission Society Church of God. All rights reserved. Privacy Policy