Zvese zviri muBhaibheri zvakanyorwa mumakore anopfuura 1,600 zvinopindirana sechiprofita nekuzadziswa kwacho. Chiprofita chiri pamusoro paMambo Sirasi uye chiprofita pamusoro paJesu chakakanyorwawo muBhaibheri. Kunyange zvazvo vanhu vakanga vasinganzwisisi zviprofita zveBhaibheri panguva yazvakanyorwa, zvose zvakazadziswa.
Bhaibheri rinotiudza kuti tinofanira kutizira kuZioni kuti tiponeswe apo njodzi huru yokupedzisira nokuparadzwa zvinouya. Zioni— Kereke yaMwari Nzanga YeVhangeri YePasi Rose, umo munopembererwa mitambo yaMwari, inzvimbo yerutiziro neruponeso yakavimbiswa naMwari kwatiri.
“Zivisai munyika yaJudha uye muparidze muJerusarema muchiti: ‘Ridzai hwamanda munyika yose!’ Danidzirai nesimba muchiti: ‘Unganai pamwe chete! Ngatitizirei kumaguta akakomberedzwa!’ 'Simudzai mureza wokuenda kuZioni! Tizai muvande musinganonoki! Nokuti ndiri kuuyisa njodzi inobva kumusoro, iko kuparadza kwakaipisisa.” Jeremia 4:5–6
119 Bundang P.O.Box, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of KOREA
Tel 031-738-5999 Fax 031-738-5998
Head Office: 50, Sunae-ro, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of Korea
Main Church: 35, Pangyoyeok-ro, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of Korea
ⓒ World Mission Society Church of God. All rights reserved. Privacy Policy