Kana tiri vechikara, tichagamuchira mucherechedzo wechikara, unosvitsa mukurangwa kwegehena. Tichagamuchira chiratidzo cheruponeso kubva kuna Mwari patichaziva uye totenda zvakasimba muna Kristu Ahnsahnghong, zita idzva raJesu, uye Mai vekudenga Jerusarema Idzva.
Bhaibheri rinoprofita kuti basa guru raMwari richava rekuisa chisimbiso chake pahuma dzevana vake, kutangira kumagumo kwenyika kubva kunyika yeKoria, kunobuda zuva, kubudikidza nemirayiro yake kusanganisira wePasika.
Uye ndakaona chikara chichibuda mugungwa. . . . . Shato yakapa chikara simba rayo nechigaro chayo choushe nesimba rayo guru. . . . Chakamanikidza munhu wose, . . . kuti vapiwe mucherechedzo paruoko rwavo rworudyi kana pahuma yavo, kuitira kuti kurege kuva nomunhu angagona kutenga kana kutengesa kunze kwokunge ano mucherechedzo, unova ndiwo zita rechikara kana chiverengo chezita racho.
Zvakazarurwa 13:1–17
Ipapo ndakaona mumwe mutumwa achibva kumabvazuva, ane chisimbiso chaMwari mupenyu. Akadanidzira nenzwi guru kuvatumwa vana vakanga vapiwa simba rokuti vatadzire nyika negungwa akati: “Musatadzira nyika kana gungwa kana miti kusvikira taisa chisimbiso pahuma dzavaranda vaMwari.”
Zvakazarurwa 7:2–3
119 Bundang P.O.Box, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of KOREA
Tel 031-738-5999 Fax 031-738-5998
Head Office: 50, Sunae-ro, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of Korea
Main Church: 35, Pangyoyeok-ro, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of Korea
ⓒ World Mission Society Church of God. All rights reserved. Privacy Policy