Sezvo Mwari achiti avo vanotenda maari vachagamuchira Mweya Mutsvene, avo vanoda kuugamuchira vanofanira kutenda nekutevera dzidziso dzaMwari Jehovha muNguva YaBaba, Jesu munguva YeMwanakomana, naKristu Ahnsahnghong naMwari Mai, avo vakauya seMweya NeMwenga, munguva YeMweya Mutsvene.
Avo vanoteerera shoko raMwari ndivo vanotenda muna Mwari zvechokwadi. Sezvakaropafadzwa Noa, Abhurahama, Mozisi, Joshua, naKarebhi nekuteerera shoko raMwari, saizvozvowo vanhu vane kutenda vanochengeta zuva reSabata nePasika—mashoko aMwari—vacharopafadzwa nhasi.
Uyo ari waMwari anonzwa zvinorehwa naMwari. Chinoita kuti murege kunzwa ndechokuti imi hamusi vaMwari.” Johani 8:47
Jehovha achakusimbisai sorudzi rwake rutsvene, sezvaakakuvimbisai nemhiko, kana mukachengeta mirayiro yaJehovha Mwari wenyu uye mukafamba munzira dzake. Ipapo marudzi ose ari panyika achazviona kuti munodanwa nezita raJehovha, uye vachakutyai. Dhuteronomi 28:9–10
119 Bundang P.O.Box, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of KOREA
Tel 031-738-5999 Fax 031-738-5998
Head Office: 50, Sunae-ro, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of Korea
Main Church: 35, Pangyoyeok-ro, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of Korea
ⓒ World Mission Society Church of God. All rights reserved. Privacy Policy