Kuti tizive kana zviito zvedu zvakarurama kana kuti zvakaipa, tinofanira kuuya kuna Mwari, uyo anova chiedza chechokwadi. Nhasi, munyika ine rima umo vanhu vasingakwanisi kuona kuda kwaMwari, Kristu Ahnsahnghong naMwari Mai vakavhenekera chiedza chechokwadi cheupenyu kuburikidza neSabata nePasika.
Mwari akauya kupasi rino sechiedza, achikunda mweya wenyika werima, achitidzidzisa pamusoro pezvinhu zvokudenga, achiunza tariro kunyika, uye achivhenekera chiedza. Saizvozvovo, vana vaMwari vanofanirawo kuvhenekera chiedza chevhangeri kunyika kuitira kuti munhu wose agone kuziva Mwari.
Vasingatendi vakapofumadzwa ndangariro dzavo namwari wenyika ino, kuti varege kuona chiedza chevhangeri rokubwinya kwaKristu, anova mufananidzo waMwari. . . . Nokuti Mwari akati, “Chiedza ngachipenye murima,” akaita kuti chiedza chake chipenye mumwoyo yedu kuti tiwane chiedza choruzivo rwokubwinya kwaMwari muchiso chaKristu. 2 VaKorinde 4:4–6
119 Bundang P.O.Box, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of KOREA
Tel 031-738-5999 Fax 031-738-5998
Head Office: 50, Sunae-ro, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of Korea
Main Church: 35, Pangyoyeok-ro, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of Korea
ⓒ World Mission Society Church of God. All rights reserved. Privacy Policy