Chikonzero chakaita kuti Jesu ave Muprista Mukuru nokusingaperi murudzi rwaMerikizedheki ndechokuti, munguva ino zvakare, kune Pasika yesungano itsva yaanofanira kuita semushumiri.
Sekuropafadza Abhurahama kwakaita Merikizedheki nechingwa newaini munguva yeTestamende Yekare, Jesu akapa vanhu maropafadzo eupenyu husingaperi kubudikidza nechingwa newaini.
Kufanana naJesu, Kristu Anouya Kechipiri Ahnsahnghong akashandawo seMuprista Mukuru murudzi rwaMerikizedheki, achipa maropafadzo eupenyu husingaperi kubudikidza nechingwa newaini zvePasika yesungano itsva.
Munguva ino, avo chete vanotevera rudzi rwaMerikizedheki yesungano itsva, kwete yaAroni wesungano yakare, vanokwanisa kuva vana vechipikirwa vanogara nhaka yechipikirwa chaMwari.
Nokuti Mwari aida kuti aratidze pachena kusashanduka kwechido chake kuvadyi venhaka yakapikirwa, akakusimbisa nemhiko. . . . makapinda Jesu akatitangira isu, akapinda akatimiririra. Akava muprista mukuru nokusingaperi worudzi rwaMerikizedheki.
VaHebheru 6:17–20
Chakavanzika ichi ndechokuti, kubudikidza nevhangeri, veDzimwe Ndudzi vava vadyi venhaka pamwe chete navaIsraeri uye vava nhengo pamwe chete dzomuviri mumwe chete, vagovani pamwe chete muchivimbiso chiri muna Kristu Jesu.
VaEfeso 3:6
119 Bundang P.O.Box, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of KOREA
Tel 031-738-5999 Fax 031-738-5998
Head Office: 50, Sunae-ro, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of Korea
Main Church: 35, Pangyoyeok-ro, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of Korea
ⓒ World Mission Society Church of God. All rights reserved. Privacy Policy