Apo chete Mwari anenge auya ndipo apo vanhu vanogona kuziva chokwadi chemuti muti woupenyu uye vagopinda muumambo hwekudenga. Vanhu vakatambudza nekuroverera Jesu, uyo akauya panyika pano kuitira ruponeso rwavo, kunyange zvakadaro Kristu Ahnsahnghong akauya panyika pano zvakare kuzoponesa nekupa upenyu kuvana vake.
Sezvazvakanyorwa zvichinzi, “Achaonekwa kechipiri kuti auyise ruponeso kuna avo vakamumirira,” Kristu Ahnsahnghong akauya pasi pano, uye akatidzidzisa nezvePasika yesungano itsva iyo vanhu vakanga varasikirwa nayo, akazadzikisa zviprofita zvese zvaMambo Dhavhidhi, uye akazivisa pamusoro paMai vekudenga Jerusarema. Nekuda kweizvi, vatendi veKereke yaMwari nhasi vanokwanisa kuva netariro yeumambo hwekudenga muZioni.
Sezvo munhu akatemerwa kufa kamwe chete uye shure kwaizvozvo agotongwa, saizvozvowo Kristu akabayirwa kamwe chete kuti atakure zvivi zvavanhu vazhinji; uye achazoonekwa kechipiri, asingatakuri zvivi, asi kuti auyise ruponeso kuna avo vakamumirira.
VaHebheru 9:27–28
119 Bundang P.O.Box, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of KOREA
Tel 031-738-5999 Fax 031-738-5998
Head Office: 50, Sunae-ro, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of Korea
Main Church: 35, Pangyoyeok-ro, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of Korea
ⓒ World Mission Society Church of God. All rights reserved. Privacy Policy