Hove dzinonzi maSalmon dzinogara mugungwa dzozodzokera kwadzakaberekerwa kunokandira mazai. Mukuita izvozvo, sekutsungirira kunoita hove dzinonzi masalmon marwadzo nekushandisa simba radzo rakachengetwa dzisingadyi, nesuwo, tinofanira kukunda marwadzo ekuzvarwa patsva nekurasa tsika dzose dzakaipa nemaitiro atakadzidza munyika ino, tichishingirira kudzokera kumusha wedu wekudenga usingaperi kunogara Baba naMai.
Panguva ino, apo marudzi ose ari kubhururukira mumaoko aMai Vekudenga Jerusarema sezvakaprofitwa muBhaibheri, nhengo dzeKereke yaMwari dzinogara dzichiita “Mashoko eRudo rwaMai” maererano nedzidziso dzavo, zvichiratidza kubwinya kwaMai Vekudenga Jerusarema kunyika yose kuburikidza nemabasa adzo akanaka.
Musaramba muchizvienzanisa namaitiro enyika ino, asi mushandurwe nokuvandudzwa kwepfungwa dzenyu. Ipapo muchakwanisa kuti muedze uye mugoziva kuti kuda kwaMwari ndokupi, kuda kwake kwakanaka, kunomufadza uye kwakakwana. vaRoma 12:2
“Simuka, upenye nokuti chiedza chako chasvika, uye kubwinya kwaJehovha kwabuda pamusoro pako. Tarira, rima rakafukidza nyika uye rima guru riri pamusoro pavanhu, asi Jehovha anobuda pamusoro pako uye kubwinya kwake kunoratidzwa pamusoro pako. Ndudzi dzichauya kuchiedza chako, uye madzimambo kukubwinya kwamambakwedza ako. Isaya 60:1–3
119 Bundang P.O.Box, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of KOREA
Tel 031-738-5999 Fax 031-738-5998
Head Office: 50, Sunae-ro, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of Korea
Main Church: 35, Pangyoyeok-ro, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of Korea
ⓒ World Mission Society Church of God. All rights reserved. Privacy Policy