Kupinda muGungwa Dzvuku kweVaIsraeri kwaimiririra kupinda muguva kwaJesu, uye kubuda muGungwa Dzvuku kwevaIsraeri kwaiva chiprofita chekumuka kubva kuvafi kwaJesu. Mwari akatara Zuva reZvibereko Zvokutanga muTestamende Yakare kuti tisazokanganwa basa iri.
Sezvo Zuva reZvibereko Zvokutanga raichengetwa Svondo yokutanga mushure mePasika noMutambo weChingwa Chisina Mbiriso muTestamende Yakare, kumuka kubva kuvafi kwaJesu, anova chibereko chokutanga cheavo vavete, kwakaitikawo nomusi weSvondo. Nokuda kwaizvozvo, vatsvene veKereke yeKutanga vakasvika pakutenda kuti kunyange kana vakafa, vaizoraramazve, uye nguva dzose vaiwana mufaro mukuparidza nhau dzeruponeso, vakamira kudivi raMwari.
Asi, zvirokwazvo Kristu akamutswa kubva kuvakafa, akava chibereko chokutanga chavavete.
1 VaKorinde 15:20
Panguva iyoyo chidzitiro chomutemberi chakabvaruka napakati kubva kumusoro kusvika pasi. Nyika yakadengenyeka, uye mabwe akatsemuka. Makuva akazaruka, mitumbi yavatsvene vazhinji vakanga vakafa ikamutswa kuupenyu. Vakabuda mumakuva, uye shure kwokumuka kwaJesu vakapinda muguta dzvene uye vakaonekwa navanhu vazhinji.
Mateo 27:51–53
119 Bundang P.O.Box, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of KOREA
Tel 031-738-5999 Fax 031-738-5998
Head Office: 50, Sunae-ro, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of Korea
Main Church: 35, Pangyoyeok-ro, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of Korea
ⓒ World Mission Society Church of God. All rights reserved. Privacy Policy