Chikonzero vatsvene veKereke yekutanga vaive nekutenda kukuru zvisinei nekutambudzwa nekuomerwa kuzhinji chaiva chekuti vakaziva rudo rukuru rwaKristu kubudikidza nekuzvipira kwake pamuchinjikwa uye sungano itsva uye vakaparidza vhangeri, vachigara vaine tariro yeumambo hwekudenga husingaperi mumwoyo yavo.
Ani nani anoita basa revhangeri kuti azvigutse anongoneta uye okanda mapfumo pasi nekukasira, asi kana tikaita basa revhangeri, tichiziva zvizere kuti Baba Kristu Ahnsahnghong naMwari Mai vanotakura zvivi zvedu zvose, tinozara nemufaro netariro, sezvakanga zvakaita apostora Pauro.
“Nokuti Mwari akada nyika nokudaro, kuti akapa Mwanakomana wake mumwe oga, kuti ani naani anotenda kwaari arege kufa asi ave noupenyu husingaperi.”
Johani 3:16
Ndianiko achatiparadzanisa norudo rwaKristu? Kutambudzika here, kana nhamo, kana kutambudzwa, kana nzara, kana kushayiwa zvokupfeka, kana njodzi, kana munondo? . . . kana kwakakwirira, kana kwakadzika, kana chimwe chinhuwo zvacho pazvisikwa zvose, hazvingagoni kutiparadzanisa norudo rwaMwari, rwuri muna Kristu Jesu Ishe wedu.
VaRoma 8:35–39
119 Bundang P.O.Box, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of KOREA
Tel 031-738-5999 Fax 031-738-5998
Head Office: 50, Sunae-ro, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of Korea
Main Church: 35, Pangyoyeok-ro, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of Korea
ⓒ World Mission Society Church of God. All rights reserved. Privacy Policy