Vanhu vanofunga kuti kuguma kweupenyu hwavo pasi pano ndiko kuguma kwezvinhu zvose, asi denga negehena zviriko, uye apo hupenyu hwavo munyika yemadhaimenisheni matatu huchapera, vose vachadzokera kunyika yemavambo avo. Jesu akatakura zvitadzo zvamarudzi ose pamuchinjikwa uye akavamba sungano itsva kuti atore vana vake vanodikanwa kuenda kudenga, kwete kugehena, nzvimbo yokurangwa.
Gehena, sezvinorondedzerwa muBhaibheri, inzvimbo inotamburwa zvikuru. Ndicho chikonzero Kristu Ahnsahnghong naMwari Mai vakazivisa sungano itsva zvakare, vachipa vanhu mukana wokuzofara muumambo hunobwinya hwokudenga husingaperi.
Sezvo munhu akatemerwa kufa kamwe chete uye shure kwaizvozvo agotongwa, . . . VaHebheru 9:27
Uye dhiabhori, uyo akavanyengera, akakandwa mudziva rinopfuta nesafuri, makanga makandwa chikara nomuprofita wenhema. Vacharwadziwa masikati nousiku nokusingaperi-peri. . . . uye munhu mumwe nomumwe akatongwa sezvaakabata. Ipapo rufu neHadhesi zvakakandwa mudziva romoto. Dziva romoto ndirwo rufu rwechipiri. Zvakazarurwa 20:10–14
119 Bundang P.O.Box, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of KOREA
Tel 031-738-5999 Fax 031-738-5998
Head Office: 50, Sunae-ro, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of Korea
Main Church: 35, Pangyoyeok-ro, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of Korea
ⓒ World Mission Society Church of God. All rights reserved. Privacy Policy