Kana tikatenda muvhangeri resungano itsva, tonyatsonzwisisa murayiro waMwari, uye touchengeta, tinogona kugamuchira upenyu husingaperi, tova vaprista veumambo, uye togara nhaka yeumambo hwaMwari. Uyezve, murayiro waMwari uchatitungamirira kuna Kristu Ahnsahnghong naMai vekudenga Jerusarema Idzva, vari kutitungamirira kuruponeso rusingaperi.
Vaprofita, kusanganisira Isaya, vanotiudza kuti kutenda kwokuti “Hatifaniri kuchengeta murayiro waMwari” kwakazoita kuti panyika pave nenjodzi dzakawanda. Avo vanochengeta murayiro waMwari sezvakarairwa vanowana mufaro, kunakidzwa, nerunyararo, asi avo vanoramba murayiro waMwari vachasangana nenjodzi nekutukwa sechibereko chemifungo yavo.
“Naizvozvo inzwai, imi ndudzi, nemi zvapupu, cherechedzai zvichaitika kwavari. Inzwa, iwe nyika: Ndiri kuuyisa njodzi pamusoro pavanhu ava, icho chibereko chendangariro dzavo, nokuti havana kuteerera mashoko angu, uye vakaramba murayiro wangu.”
Jeremia 6:18–19
[U]ye agozorodza imi vari kutambudzika, uye nesuwo. Izvi zvichaitika Ishe Jesu paacharatidzwa kubva kudenga mumurazvo womoto unopfuta ane vatumwa vake vane simba. Acharanga vaya vasingazivi Mwari uye vasingateereri vhangeri raIshe wedu Jesu.
2 VaTesaronika 1:7–8
119 Bundang P.O.Box, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of KOREA
Tel 031-738-5999 Fax 031-738-5998
Head Office: 50, Sunae-ro, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of Korea
Main Church: 35, Pangyoyeok-ro, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of Korea
ⓒ World Mission Society Church of God. All rights reserved. Privacy Policy