Bhaibheri nevaprofita vanopupura kuti chikonzero chakaita kuti Kristu auye kechipiri ndechokuparadza rufu, kureva kuti, kuzopa vanhu upenyu husingaperi, uye ovaendesa kuumambo hwekudenga. Nzira yoga yokuti vanhu, avo vakaita chivi chinokodzera rufu kudenga vawane upenyu husingaperi ndeyokudya nokunwa nyama neropa zvaJesu kubudikidza nePasika, sezvazvakanga zvakaita makore 2,000 apfuura.
Maererano nechiprofita chaIsaya chekuti Mwari chete ndiye anogona kugadzira mutambo unomedza rufu nokusingaperi, vatendi veKereke yaMwari vanotenda muna Kristu Ahnsahnghong saMwari uye vanochengeta Pasika nokuti ndiye akaparadza rufu kubudikidza nePasika.
“Anodya nyama yangu nokunwa ropa rangu ano upenyu husingaperi uye ndichazomumutsa nezuva rokupedzisira.”
Johani 6:54
Pamusoro pegomo iri, Jehovha Wamasimba Ose achagadzirira vanhu vose mutambo wezvakakora, namabiko ewaini yakare, . . . iye achamedza rufu nokusingaperi. . . . Pazuva iro vachati, “Zvirokwazvo uyu ndiye Mwari wedu; takavimba naye, iye akatiponesa. . . .”
Isaya 25:6–9
119 Bundang P.O.Box, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of KOREA
Tel 031-738-5999 Fax 031-738-5998
Head Office: 50, Sunae-ro, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of Korea
Main Church: 35, Pangyoyeok-ro, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of Korea
ⓒ World Mission Society Church of God. All rights reserved. Privacy Policy