Satani akanyengera vanhu vaMwari kuti avadzinge kubva kudenga kuti vauye panyika uye anoramba achivanyengera kuti varege kuzodzokera kuumambo hwekudenga.
Nokuda kweizvi, akaputsa Sabata nePasika kuti adzivise vanhu vaMwari kumunamata, uye akapinza tsika dzechimwari chezuva se Kunamata Svondo neKisimusi mutemberi yaMwari.
Eria akakunda vaprofita venhema 850 kubudikidza nokunamata kwaipiwa kuna Mwari, uye Jesu akakurira Satani namashoko okuti, “Namata Ishe Mwari wako, umushumire iye oga.” Munguva ino yaMweya Mutsvene, Kristu Ahnsahnghong naMwari Mai vakatidzidzisa kuti titevere sungano itsva, tigogona kushumira Mwari chete kuti tigamuchire kuregererwa kwezvivi uye todzokera kuumambo hwekudenga husingaperi.
Hamufaniri kuita sezvavanoita kuIjipiti, kwamaigara uye hamufaniri kuita sezvavanoita kuKenani, kwandiri kukuendesai. Musatevera zviito zvavo. Munofanira kutevera mitemo yangu uye mugochenjerera kuti mutevere mirayiro yangu. . . . nokuti munhu anoiteerera achararama nayo. Ndini Jehovha. Revhitiko 18:3–5
119 Bundang P.O.Box, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of KOREA
Tel 031-738-5999 Fax 031-738-5998
Head Office: 50, Sunae-ro, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of Korea
Main Church: 35, Pangyoyeok-ro, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of Korea
ⓒ World Mission Society Church of God. All rights reserved. Privacy Policy